Job 21

Jobho

1Ipapo Jobho akapindura akati:

2“Teereresa mashoko angu;
uku ngakuve kunyaradza kwaunondipa.
3Ndiitire mwoyo murefu ndichitaura hangu,
uye kana ndapedza kutaura, urambe uchiseka hako.

4“Ko, kunyunyuta kwangu kwakanangana nomunhu here?
Ndingatadza seiko kuora mwoyo?
5Nditarire ushamiswe;
ufumbire muromo wako noruoko.
6Ndinotya, pandinofunga izvi;
kudedera kunobata muviri wangu.
7Nemhaka yeiko vakaipa vachirarama,
vachikwegura uye vachiwedzerwa simba?
8Vanoona vana vavo vachikura ivo vachiri vapenyu,
zvizvarwa zvavo pamberi pavo.
9Misha yavo igere zvakanaka uye haina chainotya;
shamhu yaMwari haisi pamusoro pavo.
10Hando dzavo hadzikonewi kubereka,
mhou dzavo dzinobereka mhuru dzisingasvodzi.
11Vanobudisa vana vavo seboka ramakwai;
vapwere vavo vanopembera vachitamba.
12Vanoimba vachiridzirwa tambureni nembira;
vanofarira kurira kwenyere.
13Vanopedza makore avo mukubudirira
uye vanopinda muguva nenguva isipi.
14Kunyange zvakadaro vanoti kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro!
Hatina hanya nokuziva nzira dzenyu.
15Wamasimba Ose ndianiko, kuti timushumire?
Tinowaneiko kana tikamunamata?’
16Asi kubudirira kwavo hakusi mumaoko avo,
naizvozvo ndinomira kure nerangano yevakaipa.

17“Kunyange zvakadaro, kanganiko kanodzimwa mwenje wevakaipa?
Kanganiko vachiwirwa nenjodzi,
magumo anotarwa naMwari mukutsamwa kwake?
18Vanofanana namakoto anopeperetswa nemhepo runganiko,
sehundi inokukurwa nedutu?
19Zvinonzi, ‘Mwari anochengetera vana vomunhu kutongwa.’
Ngaamutsive iye amene, kuitira kuti agozviziva!
20Meso ake pachake ngaaone kuparadzwa kwake;
iye ngaanwe kutsamwa kwoWamasimba Ose.
21Nokuti ane hanya yeiko nemhuri yaanosiya shure,
mwedzi yaakagoverwa zvoyopera?

22“Ko, pane munhu angagona kudzidzisa ruzivo kuna Mwari here,
iye achitonga kunyange vari pamusoro-soro?
23Mumwe munhu anofa achine simba rake rizere,
akachengetedzeka uye akagadzikana,
24muviri wake wakagwinya,
mapfupa ake azere nomwongo.
25Mumwe munhu anofa ane shungu dzomwoyo,
asina kumbonakidzwa nezvipi zvazvo zvakanaka.
26Vanovata muguruva pamwe chete,
uye honye dzinovafukidza vose.

27“Ndinoziva chose zvamunofunga,
iwo mano amungandikanganisa nawo.
28Imi munoti, ‘Imba yomunhu mukuru iripiko zvino,
iwo matende aigarwa navanhu vakaipa?’
29Hauna kumbobvunza vafambi vaya here?
Hauna kuva nehanya nenhoroondo dzavo here,
30dzokuti munhu akaipa anodarikwa pazuva renjodzi,
kuti anorwirwa pazuva rokutsamwa?
31Ndianiko anotsoropodza mafambiro ake pachena?
Ndianiko anomuripira pane zvaakaita?
32Iye anotakurwa achiendeswa kuguva,
uye rinda rake rinorindwa.
33Ivhu romunhika rinotapira kwaari;
vanhu vose vanomutevera,
uye anotungamirirwa navazhinji vasingaverengeki.

34“Saka mungandinyaradza sei nezvisina maturo?
Hapana chasara pakupindura kwenyu asi nhema dzoga!”
Copyright information for SnaBDSC